“Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“mucheki paachapfuurwa nomurimi,
uye mudyari paachapfuurwa neanosvina mazambiringa.
Waini itsva ichadonha kubva kumakomo,
uye ichayerera kubva pazvikomo zvose.
Ndichadzosazve vanhu vangu vakatapwa, ivo vaIsraeri;
vachavakazve maguta akaitwa matongo uye vachagara maari.
Vachasima minda yemizambiringa vagonwa waini yayo.
Vacharima mapindu uye vachadya zvibereko zvawo.