Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 4:31-35

Mabasa 4:31-35 BDSC

Shure kwokunge vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi yakazungunuswa. Uye vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakataura shoko raMwari vasingatyi. Vatendi vose vakanga vano mwoyo mumwe nendangariro imwe. Hakuna aiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake oga, asi vakagovana zvose zvavakanga vanazvo. Vapostori vakaramba vachipupura nesimba kumuka kwaIshe Jesu, uye nyasha huru dzaiva pamusoro pavo. Pakanga pasina vanoshayiwa pakati pavo. Nokuti nguva nenguva vaya vakanga vane minda kana dzimba vakazvitengesa, vakauyisa mari yezvavakatengesa vakazviisa patsoka dzavapostori, uye yakagoverwa kuna ani zvake sokushayiwa kwake.