Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 14:1-22

Mabasa 14:1-22 BDSC

PaIkoniamu Pauro naBhanabhasi vakasvikopinda musinagoge ravaJudha sezvavaisiita nguva dzose. Imomo vakataura zvinobata mwoyo kwazvo zvokuti vaJudha vazhinji neveDzimwe Ndudzi vakatenda. Asi vaJudha vakaramba kutenda vakamutsa mwoyo yeveDzimwe Ndudzi uye vakavakanganisa pfungwa dzavo kuti vavenge hama. Saka Pauro naBhanabhasi vakapedza nguva refu varipo, vachitaura zvaIshe vasingatyi, iye akasimbisa shoko renyasha dzake nokuvagonesa kuita zviratidzo nezvishamiso. Vanhu vomuguta vakapesana; vamwe vakatsigira vaJudha, vamwewo vakatsigira vapostori. VeDzimwe Ndudzi navaJudha, pamwe chete navatungamiri vavo vakarangana kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe. Asi vakazviziva vakabva vatizira kuRistira neDhebhe maguta avaRikonia nokudunhu rose rakanga rakapoteredza, uko kwavakaramba vachiparidza vhangeri. MuRistira maigara mumwe murume akanga ari mhetamakumbo, akanga ari chirema kubva pakuberekwa kwake uye akanga asina kumbofamba. Akateerera Pauro paakanga achitaura. Pauro akamutarisisa, akaona kuti akanga ano kutenda kuti angaporeswa akadanidzira akati, “Simuka netsoka dzako!” Ipapo, murume akakwakuka akatanga kufamba. Vazhinji vakati vaona zvakanga zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwechiRikonia vachiti, “Vamwari vaburuka kwatiri muchimiro chavanhu!” Bhanabhasi vakamutumidza kuti Zeusi, uye Pauro vakamutumidza kuti Herimesi nokuti ndiye aiva mutauri mukuru. Muprista waZeusi aiva netemberi yake yakanga iri kunze kweguta, akauya nehando namaruva kumasuo eguta nokuti iye navanhu vazhinji vaida kupa zvibayiro kwavari. Asi vapostori Bhanabhasi naPauro vakati vazvinzwa, vakabvarura nguo dzavo vakamhanyira mukati moruzhinji, vakadanidzira vachiti, “Varume, munoitireiko izvi? Isuwo tiri vanhu semi, vanhuwo zvavo semi. Tinokuparidzirai mashoko akanaka, tichikuudzai kuti mubve pazvinhu izvi zvisina maturo mudzokere kuna Mwari mupenyu, akaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvose zviri mukati mazvo. Panguva dzakapfuura, akarega hake ndudzi dzose dzichifamba nenzira dzadzo. Asi haana kusiya pasina zvingamupupurira: Akakuitirai tsitsi nokukupai mvura inobva kudenga nezvirimwa nenguva yazvo; akakupai zvokudya zvakawanda uye akazadza mwoyo yenyu nomufaro.” Kunyange namashoko iwaya, zvakanga zvakaoma chose kuti vadzivise vanhu vazhinji ava kuti varege kuvabayira. Ipapo vamwe vaJudha vaibva kuAndioki nokuIkoniamu vakauya vakasvikopindura mwoyo yavanhu vazhinji ava. Vakataka Pauro namabwe ndokumuzvuzvurudzira kunze kweguta, vachifunga kuti afa. Asi shure kwokunge vadzidzi vaungana vakamukomba, akamuka akadzokera muguta zvakare. Zuva rakatevera akaenda naBhanabhasi kuDhebhe. Vakaparidza mashoko akanaka muguta iroro vakawana vadzidzi vazhinji kwazvo. Ipapo vakadzokera kuRistira, Ikoniamu nokuAndioki, vachisimbisa vadzidzi nokuvakurudzira kuti varambe vari pakutenda. Vakati, “Tinofanira kutambudzika kuti tipinde muumambo hwaMwari.”