Pauro naBhanabhasi vava kubuda musinagoge, vanhu vakavakoka kuti vazotaurazve pamusoro pezvinhu izvi paSabata raizotevera. Gungano rakati rapararira, vazhinji vavaJudha navamwe vakanga vatendeukira kuchiJudha vakatevera Pauro naBhanabhasi, ivo vakataura navo uye vakavakurudzira kuti varambe vari munyasha dzaMwari. PaSabata rakatevera rinenge guta rose rakaungana kuzonzwa shoko raShe. VaJudha vakati vaona vanhu vazhinji, vakazadzwa negodo vakataura zvakaipa pamusoro pezvakanga zvichitaurwa naPauro. Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kune veDzimwe Ndudzi. Nokuti izvi ndizvo zvakarayirwa kwatiri naShe achiti: “ ‘Ndakakuitai chiedza kune veDzimwe Ndudzi, kuti muvigire migumo yenyika ruponeso.’ ” VeDzimwe Ndudzi vakati vanzwa izvozvo, vakafara uye vakakudza shoko raShe; uye vose vakanga vakatarirwa upenyu husingaperi vakatenda. Shoko raShe rakapararira mudunhu rose. Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo. Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu. Uye vadzidzi vakazadzwa nomufaro uye noMweya Mutsvene.
Verenga chikamu Mabasa 13
Terera ku Mabasa 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 13:42-52
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo