Petro achiri kutaura mashoko aya, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavose vakanzwa shoko. Vatendi vakadzingiswa vakanga vauya naPetro vakakatyamara nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange napamusoro pevedzimwe ndudziwo. Nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi vachirumbidza Mwari. Ipapo Petro akati, “Pano munhu angadzivisa vanhu ava kuti vabhabhatidzwe nemvura here? Vagamuchira Mweya Mutsvene sezvatakangoitawo isu.” Naizvozvo akarayira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira Petro kuti ambogara navo kwamazuva mashoma.
Verenga chikamu Mabasa 10
Terera ku Mabasa 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 10:44-48
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo