Mudikani, wakatendeka pane zvaunoita kuhama, kunyange vasiri vanhu vaunoziva. Vakataurira kereke nezvorudo rwako. Uchaita zvakanaka kana ukavadzosazve nenzira yakafanira pamberi paMwari. Nokuda kweZita iri vakabuda, vasingagamuchiri rubatsiro kubva kuvahedheni. Naizvozvo tinofanira kugamuchira vanhu vakadai kuti tishande pamwe chete muchokwadi. Ndakanyorera kukereke, asi Dhiotirefesi, iye anoda kuva mukuru, akati haagamuchiri zvatinotaura. Saka kana ndauya, ndichamuyeuchidza mabasa ake aanoita, okunyeya, nokuitira godo. Kwete izvozvo zvoga, anorambawo kugamuchira hama. Anodzivisawo vaya vanoda havo kuita izvozvo uye achivabudisa mukereke. Mudikani, usatevedzera zvakaipa asi zvakanaka. Ani naani anoita zvakanaka ndiye anobva kuna Mwari. Ani naani anoita zvakaipa haana kuona Mwari.
Verenga chikamu 3 Johani 1
Terera ku 3 Johani 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 3 Johani 1:5-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo