Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 24:22-25

2 Samueri 24:22-25 BDSC

Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ishe wangu mambo ngaatore zvose zvinomufadza agozvipira kuna Jehovha. Hedzi nzombe dzechibayiro chinopiswa, neiyi mipuro namajoko enzombe kuti dzive huni. Haiwa mambo, Arauna anopa zvose izvi kuna mambo.” Arauna akatizve kwaari, “Jehovha Mwari wenyu ngaakugamuchirei.” Asi mambo akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kuzvitenga kwauri. Handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvibayiro zvinopiswa zvandisina kutenga.” Saka Dhavhidhi akatenga buriro nenzombe uye akazvipira namakumi mashanu amashekeri esirivha. Dhavhidhi akavakira Jehovha aritari ipapo uye akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. Ipapo Jehovha akapindura munyengetero wokukumbirira nyika, uye denda rikapera pamusoro peIsraeri.