Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 24:22-25

2 Samueri 24:22-25 SCLB

Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Mambo changamire torai zvenyu mupire kuna Mwari zvamunoda, nzombe ndidzodzi idzi, dzomupiro wokupisa, majoki emombe nezvirhei ndizvozvi izvi ndozvehuni. Mambo, ini Arauna, zvose izvozvi ndozvandapa kwamuri mambo.” Arauna akati kuna mambo, “Tenzi, Mwari wenyu ngaakugamuchirei.” Asi mambo akati kuna vaArauna, “Bodo, nokuti zvokutenga ndinofanira kutenga chete nemari kwauri. Handifanire kupira mupiro zvepachena kuna Tenzi, Mwari wenyu.” Nokudaro akatenga ruware rwacho nenzombe namakumi mashanu emari yesirivha yemashekere. Dhavhidhi akavakira Tenzi atari ipapo akapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana. Naizvozvo Tenzi akagamuchira minamato yakaitirwa nyika, denda rikabva ramiswa muIsiraeri.