Abhusaromu akarayira vanhu vake akati, “Teererai! Kana Amunoni anwa waini zvokuti haachabviri nokufara uye ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amunoni,’ ibvai mamuuraya. Musatya. Handizini ndakurayirai here? Simbai mutsunge mwoyo.” Saka vanhu vaAbhusaromu vakaita kuna Amunoni sokurayirwa kwavakanga vaitwa naAbhusaromu. Ipapo vana vose vamambo vakasimuka, vakatasva manyurusi avo vakatiza. Vachiri munzira kudaro, shoko rakasvika kuna Dhavhidhi richiti, “Abhusaromu auraya vanakomana vose vamambo; hapana kana mumwe zvake asara.” Mambo akasimuka, akabvarura nguo dzake akazvambarara pasi; ipapo varanda vake vose vakauya vaine nguo dzakabvaruka vakamira paari. Asi Jonadhabhu mwanakomana waShimea, mukoma waDhavhidhi, akati, “Ishe wangu ngaarege kufunga kuti vauraya machinda ake ose; Amunoni oga ndiye afa. Izvi zvakagara zviri muurongwa hwaAbhusaromu kubvira musi wakabatwa chibharo hanzvadzi yake Tamari naAmunoni. Naizvozvo zvino Ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya mwoyo neshoko rokuti vanakomana vose vamambo vafa. Amunoni oga ndiye afa.” Panguva iyoyo, Abhusaromu akatiza. Zvino murume akanga amire akarinda akatarira kumusoro akaona vanhu vazhinji mumugwagwa nechokumavirazuva kwake, vachiburuka norutivi rwegomo. Nharirire iyi yakaenda ikandoudza mambo kuti, “Ndiri kuona varume kunzira yeHoronaimu, kurutivi rwegomo.” Jonadhabhu akati kuna Mambo, “Tarirai, vanakomana vamambo vasvika; zvaitika sokutaura kwomuranda wenyu.” Akati achipedza kutaura, vanakomana vamambo vakabva vapinda, vachiungudza zvikuru. Zvino mambo pamwe chete navaranda vake vakachema neshungu kwazvo. Abhusaromu akatiza akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihudhi, mambo weGeshuri. Asi mambo Dhavhidhi akachema pamusoro pomwanakomana wake mazuva ose.
Verenga chikamu 2 Samueri 13
Terera ku 2 Samueri 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Samueri 13:28-37
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo