Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 13:28-37

2 Samueri 13:28-37 SCLB

Abhusharomu akati kuvaranda vake, “Munofanira kucherechedza Amunoni, kana zvino afarisa newaini, ini ndikakutii pfuudzai Amunoni, mobva mamupfuudza. Musatye, ndini ndinenge ndakutumai, muite chivindi, muite mwoyo wechirume.” Saizvozvo varanda vaAbhusharomu vakaita kuna Amunoni sezvavakanga vaudzwa naAbhusharomu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakati dzvamu warandanda votasva manyurusi avo votiza. Vachiri munzira, kuna Dhavhidhi kwakasvika shoko raiti, “Abhusharomu auraya vanakomana vose vamambo hakuna nomumwe wavo asara.” Mambo akabvarura hanzu dzake akati pasi zvambarara. Makurukota ake ose akanga akamukuta akabvarurawo hanzu dzawo. Asi Jonadhabhu mwanakomana waShimea mukoma waDhavhidhi akati, “Changamire regai zvenyu kufunga kuti vauraya majaya enyu ose, vana venyu mambo, nokuti Amunoni chete ndiye afa. Honzeri yacho ndiAbhusharomu anga ane pfundipfundi naye kubvira zuva raakabata hanzvadzi yake Tamari chibharo. Saka zvino, mambo changamire, regai zvenyu kuzvidya mwoyo muchifunga kuti vanakomana venyu mambo vose vafa, nokuti Amunoni ndiye chete afa.” Izvozvo Abhusharomu akanga atotiza. Rimwe jaya rakanga richichengetedzapo rakatarisa onei mhomho yavanhu ichiuya nokunzira yeseri kwake ichiteremuka mugomo. Jonadhabhu akati kuna mambo, “Havoka vanakomana vamambo vari kuuya avo sezvandamboreva ini muranda wenyu, ndozvabva zvaitika izvi.” Achangoti pedzei kutaura vanakomana vamambo vaya vakabva varoverera kusvika, ndiye mhere povo. Mambowo namakurukota ake vakachema zvakanyanya kwazvo. Izvozvo Abhusharomu akanga atotizira kuna Tarimai mambo wokuGeshuri mwanakomana waAmihudhi. Dhavhidhi akaita mazuva achichema mwanakomana wake.