Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 5:1-5

2 VaKorinde 5:1-5 BDSC

Zvino tinoziva kuti kana imba yedu yapanyika yatinogara mairi iyi yaparadzwa, tine imba inobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko avanhu, inogara nokusingaperi kudenga. Pari zvino tinogomera, tichishuva kupfekedzwa muviri wedu wokudenga, nokuti kana tichinge tapfekedzwa, hatizowanikwi takashama. Nokuti kana tiri mutende ino, tinogomera uye tichiremerwa, nokuti hatishuvi kugara tisina kupfekedzwa muviri wedu wokudenga, kuti icho chinofa chimedzwe noupenyu. Zvino Mwari ndiye akatigadzirira chinhu ichi, uye akatipawo Mweya sorubatso, achisimbisa zvinouya.

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe ne2 VaKorinde 5:1-5