Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei, nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku. Vanhu pavanenge vachiti, “Rugare norunyararo,” kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki. Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha. Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima. Saka zvino, ngatiregei kuita savamwe vavete, asi ngatisvinurei uye tive vanozvidzora.
Verenga chikamu 1 VaTesaronika 5
Terera ku 1 VaTesaronika 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaTesaronika 5:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo