Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaTesaronika 2:17-20

1 VaTesaronika 2:17-20 BDSC

Asi, hama, patakanga taparadzaniswa nemi kwechinguva chiduku (pakuonekwa, kwete mupfungwa), mukushuva kwedu kukuru takaedza chose kukuonai. Nokuti takanga tichida kuuya kwamuri, chokwadi, ini Pauro, ndakada kuita izvozvo, nguva nenguva, asi Satani akatidzivisa. Nokuti tariro yedu ndeipiko, mufaro wedu kana korona yatichazvirumbidza nayo pamberi paIshe wedu Jesu paanouya? Ko, hamusimi here? Zvirokwazvo ndimi kubwinya kwedu nomufaro wedu.