Zvino isu, hama dzangu, zvatakaparadzaniswa nemi chinguva chiduku pamuviri, pasati pari pamwoyo, takashingairira zvikuru nokushuva kukuru kuti tionane nemi pachiso; naizvozvo taida kuuya kwamuri, ini Pauro, kamwe uyezve rwechipiri, asi Satani akatidzivisa. Nokuti tariro yedu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokuzvirumbidza nayo? Hamuzimi here, pamberi paIshe wedu Jesu pakuuya kwake? Nokuti imi muri kubwinya kwedu nomufaro wedu.
Verenga chikamu 1 VaTesaronika 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaTesaronika 2:17-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo