Dhavhidhi navarume mazana matanhatu vaiva naye vakasvika parukova rweBhesori, vamwe vakasara ipapo, nokuti varume mazana maviri vakanga vaneta kwazvo kuti vayambuke rukova. Asi Dhavhidhi namazana mana avarume vakaramba vachitevera. Vakawana muIjipita ari mumunda ndokubva vauya naye kuna Dhavhidhi. Vakamupa mvura yokunwa nezvokudya kuti adye, chimedu chekeke ramaonde akaoma uye makeke maviri amazambiringa akaomeswa. Akadya akasimba, nokuti akanga asina kudya chipi zvacho kana kunwa mvura kwamazuva matatu nousiku hutatu. Dhavhidhi akamubvunza akati, “Uri waaniko iwe, uye unobvepi?” Iye akati, “Ndiri muIjipita, mutapwa womumwe muAmareki. Tenzi wangu akandisiya pandakanga ndorwara mazuva matatu apfuura. Takapamba Zasi kwenyika yavaKereti uye nenyika yeJudha neZasi kwenyika yaKarebhu. Uye takapisa Zikiragi.” Dhavhidhi akamubvunza akati, “Ungagona kunditungamirira here kuti ndiburuke ndiende kuvapambi ava.” Iye akapindura akati, “Ndipikirei pamberi paMwari kuti hamuzondiurayi kana kundiisa kuna tenzi wangu, ini ndigokutungamirirai kwavari.” Akatungamirira Dhavhidhi ikoko, vakavawana vakapararira munzvimbo yose, vachidya, vachinwa uye vachifara nokuda kwokuwanda kwezvavakanga vapamba kubva munyika yavaFiristia nokuJudha. Dhavhidhi akarwa navo panguva yorubvunzavaeni kusvikira madekwana ezuva rakatevera, uye hakuna mumwe wavo akapunyuka, kunze kwamajaya mazana mana akatasva ngamera akatiza. Dhavhidhi akadzosa zvose zvakanga zvatorwa navaAmareki, pamwe chete navakadzi vake vaviri. Hakuna chakashayikwa: vaduku navakuru, mukomana kana musikana, chakapambwa kana chipi zvacho chavakanga vatora. Dhavhidhi akadzosa zvose.
Verenga chikamu 1 Samueri 30
Terera ku 1 Samueri 30
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 30:9-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo