1 Samueri 21
21
Dhavhidhi paNobhi
1Dhavhidhi akaenda kuNobhi, kuna Ahimereki muprista. Ahimereki akadedera paakasangana naye, akati, “Seiko uri woga? Sei pasina wawauya naye?”
2Dhavhidhi akapindura Ahimereki muprista akati, “Mambo akandirayira rimwe shoko akati kwandiri, ‘Hapana anofanira kuziva kana chinhu pamusoro pezvawafambira uye zvawarayirwa.’ Asi kana vari vanhu vangu, ndakavataurira kuti vasangane neni pane imwe nzvimbo. 3Pari zvino chiiko chamunacho pano? Ndipeiwo zvingwa zvishanu, kana chipi zvacho chamungawana.”
4Asi muprista akapindura Dhavhidhi akati, “Handina chingwa zvachowo pano; asi pano pane chingwa chakatsaurwa, ndokunge vanhu vakazvichengeta kubva kuvakadzi.”
5Dhavhidhi akati, “Zvirokwazvo vakadzi vanga vakaparadzaniswa nesu, sapanguva dzose kana ndofamba rwendo. Midziyo yavo mitsvene kunyange dai rwanga rwuri rwendo rusati rwuri rutsvene. Ko, kutoti hazvo iye nhasi!” 6Saka muprista akamupa chingwa chakatsaurwa, sezvo pakanga pasina chingwa kunze kwechingwa choKuratidza chakanga chabviswa pamberi paJehovha uye chikatsiviwa nechingwa chinopisa musi iwoyo wachakabviswa.
7Zvino mumwe wavaranda vaSauro akanga aripo pazuva iro, amiswa pamberi paJehovha; akanga ari Dhoegi muEdhomu, mufudzi mukuru waSauro.
8Dhavhidhi akabvunza Ahimereki akati, “Hamuna pfumo kana munondo pano here? Handina kuuya nomunondo wangu kana chimwe chombo zvacho, nokuti basa ramambo ranga riri rokukurumidza.”
9Muprista akapindura akati, “Munondo waGoriati muFiristia, uya wawakauraya muMupata weEra, uri pano; wakaputirwa mumucheka seri kweefodhi; kana uchiuda, tora hako; hapana munondo pano kunze kwaiwoyo.” Dhavhidhi akati, “Hakuna mumwe wakafanana nawo; ndipei iwoyo.”
Dhavhidhi paGati
10Musi iwoyo Dhavhidhi akatiza Sauro akaenda kuna Akishi mambo weGati. 11Asi varanda vaAkishi vakati kwaari, “Ko, uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Ko, haazi iye wavanoimba nezvake vachifamba, vachiti:
“ ‘Sauro akauraya zviuru zvamazana ake,
uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake’?”
12Dhavhidhi akaisa mashoko aya mumwoyo make uye akatya Akishi mambo weGati zvikuru. 13Saka akazviita benzi pamberi pavo; uye paakanga ari mumaoko avo akazviita somunhu anopenga, achikwara-kwara pamakonhi esuo uye achirega mate achisiririkira pandebvu dzake.
14Akishi akati kuvaranda vake, “Tarisai munhu uyu! Ibenzi iri! Mauyirei naye kwandiri? 15Ndashaya mapenzi zvakambodiniko zvamabva mandivigira munhu uyu kuti arambe achiita izvozvi pamberi pangu? Murume uyu angafanira kupinda mumba mangu here?”
Zvasarudzwa nguva ino
1 Samueri 21: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.