1 Madzimambo 5
5
Soromoni anogadzirira kuvaka Temberi
1Hiramu mambo weTire akati anzwa kuti Soromoni akanga azodzwa kuti ave mambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi, akatuma nhume dzake kuna Soromoni, nokuti Hiramu akanga agara ano ushamwari naDhavhidhi.
2Soromoni akatuma shoko kuna Hiramu akati:
3“Munoziva kuti nokuda kwehondo dzairwisana nababa vangu Dhavhidhi kubva kumativi ose, haana kuzokwanisa kuvakira Zita raJehovha Mwari wake temberi, kusvikira Jehovha aisa vavengi vake pasi petsoka dzake. 4Asi zvino Jehovha Mwari wangu andipa zororo kumativi ose, hapachisina muvengi kana dambudziko. 5Naizvozvo ndinoda kuvakira zita raJehovha Mwari wangu temberi, sezvo Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Mwanakomana wako, uyo wandichagadza pachigaro choushe panzvimbo yako, achavakira zita rangu temberi iyi.’
6“Naizvozvo chirayirai kuti nditemerwe matanda emisidhari yeRebhanoni. Vanhu vangu vachashanda pamwe chete navanhu venyu uye ndichakuripirai mari yamunenge mati iripirwe vanhu venyu. Munoziva kuti hatina kana munhu mumwe anogona kutema matanda sezvinoitwa navaSidhoni.”
7Hiramu akati anzwa shoko raSoromoni, akafara zvikuru, uye akati, “Jehovha ngaarumbidzwe nhasi, nokuti apa Dhavhidhi mwanakomana ane uchenjeri kuti atonge rudzi rukuru urwu.”
8Saka Hiramu akatuma shoko kuna Soromoni achiti:
“Ndagamuchira shoko ramanditumira navamakatuma uye ndichaita zvose zvamunoda ndigokupai matanda emisidhari nemisipuresi. 9Vanhu vangu vachatakura kubva kuRebhanoni kusvika kugungwa, uye, ndichaayeredza negungwa kunzvimbo yamunenge masarudza. Ikoko ndichapatsanura kuti mugogona kuatora moenda nawo. Imi mugondiitirawo chishuvo changu mugopa muzinda wangu zvokudya.”
10Nenzira iyi Hiramu akapa Soromoni matanda ose emisidhari nemisipuresi aaida, 11uye Soromoni akapa Hiramu zviyero zviuru makumi maviri#5:11 makirorita angaita 4400 zvegorosi kuti zvidyiwe mumuzinda wake, pamwe chete nezviyero makumi maviri#5:11 makirorita angaita 440 zvamafuta omuorivhi akasvinwa zvakakwana. Soromoni akaramba achiitira Hiramu zvinhu izvi gore negore. 12Jehovha akapa Soromoni uchenjeri, sezvaakanga amuvimbisa. Pakati paHiramu naSoromoni pakava norugare, uye vaviri ava vakanyorerana chibvumirano.
13Mambo Soromoni akaunganidza vanhu vechibharo muIsraeri yose, vanhu zviuru makumi matatu. 14Akavatumira kuRebhanoni, zviuru gumi pamwedzi, zvokuti vaipedza mwedzi mumwe chete vari kuRebhanoni nemwedzi miviri vari kumusha. Adhoniramu ndiye aiva mukuru wechibharo. 15Soromoni aiva navatakuri vezvinhu zviuru makumi manomwe uye vavezi vamatombo zviuru makumi masere mumakomo, 16pamwe chete navatariri vebasa zviuru zvitatu namazana matatu vaitungamirira basa nokuudza vashandi zvokuita. 17Mambo akarayira vakaputsa matombo makuru kwazvo, anokosha, kuti vavake hwaro hwetemberi namatombo akavezwa. 18Vavaki vaSoromoni, navavaki vaHiramu navaGebhari vakaveza matanda namatombo okuvakisa temberi.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Madzimambo 5: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.