Zvino pamusoro pemhandara: Handina murayiro unobva kuna Ishe, asi ndinokuudzai somunhu akapiwa ngoni naShe kuti ave akatendeka. Nokuda kwenhamo yazvino, ndinofunga kuti zvakanaka kuti munhu agare akadaro. Wakawana here? Usatsvaka kurambana. Hauna kuwana here? Usatsvaka mukadzi. Asi kana ukawana, hauna kutadza; asi kana mhandara ikawanikwa haina kutadza. Asi vaya vachawana vachasangana namatambudziko mazhinji muupenyu uye ini handidi kuti musangane nawo. Zvandinoreva hama dzangu, ndezvokuti nguva ipfupi. Kubva zvino zvichienda mberi vana vakadzi ngavararame savasina; vaya vanochema, savasingachemi; vanofara savasingafari; vanotenga chinhu, sokunonzi hachizi chavo; navaya vane zvinhu zvenyika ino, savasingabatiriri pazviri. Nokuti nyika ino sezvairi nhasi ichapfuura. Ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Murume asina kuwana anofunga zvaShe, kuti angafadza Ishe sei. Asi murume akawana anofunga pamusoro pezvinhu zvenyika ino, kuti angafadza mukadzi wake sei, uye zvaanoda zvakapatsanurwa. Mukadzi asina kuwanikwa kana mhandara anofunga nezvaShe: Chinangwa ndechokuzvipira kuna She panyama napamweya. Asi mukadzi akawanikwa anofunga zvenyika ino kuti angafadza murume wake sei. Ndiri kutaura izvi kuti zvikubatsirei, kwete kuti ndikudzivisei, asi kuti murarame munzira yakarurama muchizvipira kuna She zvizere.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 7
Terera ku 1 VaKorinde 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 7:25-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo