Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 7:25-35

1 Vakorinde 7:25-35 SCLB

Kuna vasina kuwana handina mutemo waTenzi asi ndinokupai zvandinofunga somunhu anovimbika chiri chipo chenyasha dzaTenzi. Ndinofunga kuti nenhamo dziriko iye zvino, zviri nani kuti munhu arambe ari zvaari. Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvake kusunungurwa. Hauna kuwanana nomukadzi here, usatsvake zvokuwana. Asi ukawana hauna kupara chitadzo. Musikanawo akawanikwa haana kupara chitadzo. Asi vanoroorana, nhamo dzapasi dzoupenyu ndedzavo. Ndingade kuti ndikudzivirirei kunhamo dzakadaro. Zvandinoreva ndezvizvi, hama dzangu, nguva yakatemwa iya yava pedyo pedyo. Kubvira iye zvino zvichienda mberi vana vadzimai ngavagare savasina. Uye vaya vanochema ngavaite savasiri kuchema. Vanofarawo ngavaite sevasiri kufara. Uye vanotenga ngavaite savasina zvinhu. Vane zvokuita nezvenyika ngavaite savasinei nezvenyika nokuti nyika sezvairi iri kupfuura. Ndingade kuti pasave nechinokushungurudzai mumwoyo. Murume asina kuroora ane shungu nezvaTenzi kuti angafadze Tenzi sei. Asi murume akaroora mwoyo wake uri kune zvapanyika kuti angafadze mudzimai wake sei. Munhu ane mwoyo miviri. Mukadzi asina kuroorwa kana kuti mhandara, ano shungu nezvaTenzi kuti ave mutsvene mumuviri nomumweya. Asi mukadzi akaroorwa mwoyo wake uri kune zvenyika kuti angafadze sei murume wake. Ndinotaura izvi kuti ndikubatsirei, kwete kuti ndiwane chandinokurambidzai asi kuti pave nokuita kune mwero uye kuti muve nomwoyo mumwechete kuna Tenzi.