Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene. Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndomumwe. Kuna marudzi akasiyana oushumiri, asi Ishe mumwe. Kuna marudzi akasiyana amabasa, asi Mwari mumwe ndiye anoita zvose muvanhu vose. Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe. Nokuti mumwe anopiwa noMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya mumwe chete, mumwe kutenda noMweya mumwe chete, mumwe zvipo zvokuporesa noMweya mumwe chete, mumwe mabasa esimba, mumwe kuprofita, mumwe kuzivisisa mweya, mumwe kutaura nendimi dzakasiyana-siyana, uyezve mumwe kududzirwa kwendimi. Zvose ibasa raMweya mumwe chete uye anopa mumwe nomumwe, sezvaanoda.
Verenga chikamu 1 VaKorinde 12
Terera ku 1 VaKorinde 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaKorinde 12:3-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo