Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 12:1-11

1 VaKorinde 12:1-11 BDSC

Zvino pamusoro pezvipo zvoMweya, hama, handidi kuti muve musingazivi. Munoziva kuti pamakanga muri vahedheni, makanga muchitungamirirwa uye nokutsauswa muchiiswa kuzvifananidzo zvisingagoni kutaura. Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene. Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndomumwe. Kuna marudzi akasiyana oushumiri, asi Ishe mumwe. Kuna marudzi akasiyana amabasa, asi Mwari mumwe ndiye anoita zvose muvanhu vose. Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe. Nokuti mumwe anopiwa noMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya mumwe chete, mumwe kutenda noMweya mumwe chete, mumwe zvipo zvokuporesa noMweya mumwe chete, mumwe mabasa esimba, mumwe kuprofita, mumwe kuzivisisa mweya, mumwe kutaura nendimi dzakasiyana-siyana, uyezve mumwe kududzirwa kwendimi. Zvose ibasa raMweya mumwe chete uye anopa mumwe nomumwe, sezvaanoda.