Idzi ndidzo dzakanga dziri nzvimbo dzavo dzavakagoverwa dzokugara senyika yavo (dzakapiwa kuzvizvarwa zvaAroni, avo vaibva kuimba yaKohati, nokuti mugove wokutanga wakanga uri wavo).
Vakapiwa Hebhuroni iri muJudha namafuro ose akaipoteredza. Asi minda nemisha yose yakapoteredza guta iri yakapiwa kuna Karebhu mwanakomana waJefune. Saka zvizvarwa zvaAroni zvakapiwa Hebhuroni (Guta routiziro) uye Ribhina, Jatiri, Eshitemoa, Hireni, Dhebhiri, Ashani, Juta, Bheti Shemeshi pamwe chete namafuro awo.
Uye kubva kurudzi rwaBhenjamini vakapiwa Gibheoni, Gebha Aremeti neAnatoti pamwe chete namafuro awo.
Maguta aya, akagoverwa pakati pedzimba dzavaKohati akanga ari gumi namatatu pamwe chete.
Zvimwe zvizvarwa zvaKohati zvakagoverwa maguta gumi kubva kudzimba dzorudzi rwehafu rwaManase.
Zvizvarwa zvaGerishoni mhuri nemhuri zvakagoverwawo maguta gumi namatatu kubva kumarudzi aIsakari, Asheri naNafutari uye nokubva kuchikamu chorudzi rwaManase chiri muBhashani.
Zvizvarwa zvaMerari, mhuri nemhuri zvakagoverwa maguta gumi namaviri kubva kumarudzi aRubheni, Gadhi naZebhuruni.
Saka vaIsraeri vakapa vaRevhi maguta aya namafuro awo.
Kubva kurudzi rwaJudha, rwaSimeoni norwaBhenjamini vakagoverwa maguta ayo akanga arehwa namazita.
Vamwe vedzimba dzaKohati vakapiwa kuti ive nyika yavo, maguta kubva kurudzi rwaEfuremu.
Munyika yamakomo yaEfuremu vakapiwa Shekemu (guta routiziro) neGezeri, neJokimeami, neBheti Horoni, Aijaroni, neGati Rimoni pamwe chete namafuro awo.
Uye kubva kuhafu yorudzi rwaManase vaIsraeri vakapawo Aneri neBhireamu pamwe chete namafuro awo kuvaKohati vakanga vasara.
VaGerishoni vakagamuchirawo zvinotevera:
Kubva kuimba yehafu yorudzi rwaManase vakagamuchira Gorani muBhashani neAshitarotiwo pamwe chete namafuro awo;
kubva kurudzi rwaIsakari vakagamuchira Kedheshi neDhabherati, Ramoti, neAnemi, pamwe chete namafuro awo;
kubva kurudzi rwaAsheri vakagamuchira Mashari, neAbhidhoni, Hukoki neRehobhi pamwe chete namafuro awo;
uye kubva kurudzi rwaNafutari vakagamuchira Kedheshi muGarirea, neHamoni neKiriataimi pamwe chete namafuro awo.
VaMerari (vaRevhi vose vakanga vasara) vakagamuchira zvinotevera:
Kubva kurudzi rwaZebhuruni vakagamuchira Jokineami, Karita Rimono, neTabhori pamwe chete namafuro awo;
kubva kurudzi rwaRubheni mhiri kworwizi Jorodhani kumabvazuva kweJeriko vakagamuchirwawo Bhezeri murenje, Jaza, Kedhemoti neMefaati pamwe chete namafuro awo;
uye kubva kurudzi rwaGadhi vakagamuchira Ramoti muGireadhi, Mahanaimi, Heshibhoni neJazeri pamwe chete namafuro awo.