1 Makoronike 14
14
Imba yaDhavhidhi neMhuri Yake
1Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidhari navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba youmambo. 2Uye Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga amusimbisa samambo pamusoro peIsraeri uye kuti umambo hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Israeri.
3MuJerusarema, Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi akava baba vavanakomana navanasikana vazhinji. 4Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shamua, Shobhabhi, Natani, Soromoni, 5Ibhari, Erishua, Eripereti, 6Noga, Nefegi, Jafia, 7Erishama, Bheeriyadha naErifereti.
Dhavhidhi Anokunda vaFiristia
8VaFiristia pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga agadzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakaenda nehondo yose kundomutsvaka, asi Dhavhidhi akazvinzwa akabuda kundosangana navo. 9Zvino vaFiristia vakanga vauya kuzopamba mupata weRefaimi; 10saka Dhavhidhi akabvunza kuna Mwari akati, “Ndingaenda here kundorwisa vaFiristia? Mungavaisa mumaoko angu here?”
Jehovha akapindura akati, “Enda ndichavaisa mumaoko ako.”
11Saka Dhavhidhi navanhu vake vakakwidza kuBhaari Perazimu uye ikoko akavakunda akati, “Sokupwanya kunoita mvura, Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu.” Saka nzvimbo iyoyo yakatumidzwa kunzi Bhaari Perazimu. 12VaFiristia vakasiya vamwari vavo ipapo, Dhavhidhi akarayira kuti vapiswe mumoto.
13VaFiristia vakarwisa zvakare mupata uya. 14Saka Dhavhidhi akabvunza Mwari zvakare, Mwari akamupindura akati, “Usangonanga ikoko asi vakomberedze wozovarwisa wava pamberi pemiti yemibharisamu. 15Pamunotanga kunzwa kutinhira kwokufamba pamisoro yemiti yemibharisamu, unofanira kubuda kundorwa, nokuti zvichange zvichireva kuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFiristia.” 16Saka Dhavhidhi akaita sokurayirwa kwaakanga aitwa naMwari, uye vakaparadza hondo yavaFiristia, kubva kuGibheoni, kusvika kuGezeri.
17Saka mukurumbira waDhavhidhi wakapararira nenyika yose uye Jehovha akaita kuti marudzi ose amutye.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Makoronike 14: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.