Zekariya 6
6
Chiratidzo chengoro ina dzehondo
1Ndakasimudzazve musoro ndikaona hedzo ngoro ina dzehondo dzichibuda napakati pamakomo maviri. Makomo acho akanga ari makomo endarira. 2Ngoro yehondo yokutanga yakanga ina mabhiza matsvuku, yechipiri iina mabhiza matema 3yetatu yacho iina mabhiza machena. Ngoro yehondo yechina yaiva namabhiza mapfumbu, ano chaiwo.
4Ndakabvunza mutumwa uya aitaura neni kuti, “Ko izvi zviiko nhai changamire wangu?”
5Mutumwa uye akandipindura achiti, “Idzodzi dziri kuenda kumativi mana emhepo dzedenga mushure mokunge dzambozvikumikidza kuna Changamire wapasi pose.” 6Ngoro yehondo ina mabhiza matema inoenda kunyika yokuchamhembe, machena achaenda kunyika yokumadokero. Mapfumbu anoendawo kunyika yokumaodzanyemba. 7Pakabuda mabhiza, aya ano chaiwo akanga asingagare zvakanaka nokuda kupinda munzira kuti apote nenyika. Ndokubva iye ati, “Chiendai mupote nenyika.” Saizvozvowo akapota nayo nyika.
8Akazodaidzira kwandiri achiti, “Chinzwa, vaya vanoenda kunyika yokuchamhembe vapa kuti mweya wangu uwane zororo kunyika yokuchamhembe.”
Chirevo chokudzika mupristi Joshuwa ngundu mumusoro
9Shoko raTENZI rakazouya kwandiri rikati, 10“Enda kunhapwa utore Heridhai naTobhiya naJedhaya vasvika vachibva kuBhabhironi ubva waenda musi wakarewo kumba kwaJosiya mwanakomana waZefaniya. 11Unotora kwavari sirivha nendarama uite nayo ngundu uidzike mumusoro maJoshuwa mwanakomna waJehozadhaki mupristi mukuru 12umuti zvanzi naTENZI wehondo nehondo: ‘Chinzwa, murume ane zita rokuti Bazi achabukira kuva bazi munzvimbo maari achizovaka Temberi yaTENZI. 13Iye ndiye achavaka Temberi yaTENZI uye achawana chiremera choumambo uye achagara pachigaro choumambo achitonga. Pachava nomupristi pedyo nechigaro chake choumambo vachiwirirana vachinzwisisana kwazvo pauviri hwavo.’ 14Ngundu dzinofanira kuzova muTemberi yaTENZI sechiyeuchidzo chokuyeuka nacho Heridhai naTobhiya naJedhaya naJosiya mwanakomana waZefaniya.”
15Vari kurewo vachauya kuzovaka Temberi yaTENZI. Ndipo pamuchazoziva kuti TENZI wehondo nehondo andituma kwamuri. Izvozvi zvichaitika kana mukanyatsoteerera izwi raTENZI, Mwari wenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Zekariya 6: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.