Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zekariya 3

3
Chiratidzo chomupristi mukuru chakaonekwa naZekariya
1Akazondiratidzawo Joshuwa mupristi mukuru amire mberi kwomutumwa waTENZI uye Satani#3:1 Satani: Kana kuti Mupomeri. amirewo kurudyi kwake kuti amupe mhosva. 2TENZI akati kuna Satani, “TENZI ngaakurange iwe Satani! TENZI nyakuzvisarudzira Jerusaremu ngaakurange! Handiti iyeyu chitsiga chakatoburwa mumoto here?”
3Izvozvo Joshuwa akanga akapfeka mbatya dzine tsvina amire pamberi pomutumwa. 4Mutumwa uya akataura kuna vaiva vakamira pamberi pake achiti, “Mupfekenurei hanzu dzine tsvina idzi.” Akatiwo kuna Joshuwa, “Tarira uone, ndakubvisa uipi hwako uye ndava kukushongedza hanzu yemandiriri.”
5Ini ndikati, “Ngavadzike Joshuwa ngundu yakachena mumusoro.” Saizvozvowo vakamudzika ngundu yakachena mumusoro vakamushongedza hanzu dzacho. Izvozvo mutumwa waTENZI aiva amire pedyo navo.
6Mutumwa waTENZI akakomekedza Joshuwa kuti: 7“Zvanzi naTENZI wehondo nehondo, kana ukatevedza nzira dzangu uchichengeta zvandakati uite uchatonga imba yangu uye nhandare dzangu dzichavawo mumaoko ako. Ndichakupawo mvumo yokupinda mukati mavanhu vamire pano. 8Chinzwa, zvino iwe mupristi mukuru Joshuwa, iyewe neshamwari dzako dzaugere nadzo sezvo vari chiratidzo cheramangwana rakanaka. Chinzwai, ndichaunza muranda wangu iye Bazi 9nokuti zvaunoona! Pabwe randakaisa pamberi paJoshuwa, pabwe rimwechete zvaro rine mativi manomwe, ndichaitapo zvokutemera zvinyorwa zvapo, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Ndichabvisawo uipi hwenyika ino nezuva rimwechete chairo. 10Pamusi iwoyo, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, mumwe nomumwe wenyu achakoka waakagarisana naye kuzotandara pasi pomugirepisi wake napasi pomukuyu wake.”

Zvasarudzwa nguva ino

Zekariya 3: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda