Ndizvo zvandakakusiira kuKiriti kuti unyatsoronga zvisina kurongeka uye kuti usarudze nokugadza vakuru vesangano mumaguta ose sokukuudza kwandakaita. Anofanira kunge munhu asina chaangashorwe nacho, murume womukadzi mumwechete ana vana vatendi vasiri nhunzvatunzva dzavana kana tsvuuramuromo. Mubhishopi somutariri wezvaMwari anofanira kuva munhu asina chaanopomerwa. Haafaniri kuva munhu ano mukundo kana chinya kana chiradza chedoro kana munhu wedzivo kana kuti anokarira pfuma. Asi anofanira kuva munhu anogamuchira vaenzi zvakanaka nomunhu anoda zvakanaka ane hunhu akamira pachokwadi, mutsvene anozvibata. Anofanira kubatisisa kushoko rechokwadi sokudzidziswa kwazvakaitwa kuti agone kudzidzisa chidzidziso chechokwadi uye kugona kupwisa vanopesana naro.
Verenga chikamu Titosi 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Titosi 1:5-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo