Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rute 4:1-22

Rute 4:1-22 SCLB

Bhoazi akaenda kusuo guru reguta akasvikogara zvake pasi. Sezvineiwo hama yepedyo muridzi wenhaka uya akambotaurwa naBhoazi ndiye vhu achipfuura zvake nepo. Bhoazi akamuti, “Chimbotsaukira nepano apa, umbogara apa.” Murume uyu akatsaukirapo ndokugara pasi. Bhoazi akatora vakuru vakuru gumi vomuguta iri akavati, “Ngatimbogarai dare pano apa.” Vakagara pasi zvavo. Bhoazi akasuma nyaya kune hama yake iya, muridzi wenhaka achiti, “Naomi uya akadzoka achibva kuMoabhu ari kutengesa munda waiva waErimereki. Zvino ndati ndikurume nzeve nezvawo, saka ndinoti dai wautenga dare richizviona, vakuru vakuru vedu varipo. Kana uchida kuununura, ununure zvako, asi kana usingadi nditaurirewo ndizive nokuti hakuna mumwe ane mvumo yokuununura kusiya iwe neni. Iwe ndiwe wokutanga, ini ndiri wechipiri.” Iye uya ndokuti, “Ndinoda kuununura.” Bhoazi ndokuti, “Musi waunotenga munda iwoyo kuna Naomi ndiwe unenge wotogara nhaka Rute muMoabhu chirikadzi yomufi kuti umutsiridze zita romufi panhaka yake.” Hama yake iya muridzi wenhaka ndokuti, “Kana zvakadaro handichakwanisa kuununura nokuti ndingazokanganisa nhaka yavana vangu. Ununure zvako iwe, ini handichakwanisa kuununura.” Zvino kareko muIsiraeri maiva netsika yaiitwa pakununura zvinhu napakutengeserana. Chiratidzo chavaiita chokusimbisa kuti paitwa chibvumirano ndechichi chokuti nyakutengesa aibvisa shangu yake oipa kuna nyakutenga. Ndiko kusimbisa kwaiitwa chibvumirano muIsiraeri. Saka hama iya muridzi wenhaka paakati kuna Bhoazi, “Utenge zvako iwe.” Akabva abvisa shangu yake. Bhoazi ndokuti kuna vakuru vakuru vaya navanhu vose, “Nhasi uno ndimi mava zvapupu zvangu zvokutenga kwandaita munda kuna Naomi nezvose zvaiva zvaErimereki pamwechete nezvose zvaiva zvaKirioni nezvaMahironi. Kunyangewo chirikadzi iya yakasiyiwa naMahironi, Rute muMoabhu, ndini ndatovawo wokugara nhaka nokudaro zita romufi richaramba richidaidzwa panhaka yaakasiya kuti zita rake rirege kurova mumhuri yake kana muguta rake. Ndimi zvapupu zvacho iye nhasi uno.” Vanhu vose navakuru vakuru vaiva padare kusuo reguta vakati, “Hongu, tiri zvapupu zvacho. Dai Tenzi akaita kuti mukadzi iyeyu ari kuuya mumba mako, aite saRakeri naRea, vose vari vaviri vakabereka mhuri yaIsiraeri. Dai ukava zvako mupfumi akabudirira muEfurati, zita rako rive nomukurumbira muBheterehemu. Dai vana vomukadzi uyu achiri muduku kudai vamuchapiwa naTenzi vangoita waro sezvakangoita mhuri yaPerezi akaberekwa naTamari mumba maJudha.” Bhoazi akatora Rute akagara nhaka yacho. Akapinda mumba naye, Tenzi akamubatsira akava napamuviri akabereka mwana mukomana. Vakadzi vakati kuna Naomi, “Tenzi ngaarumbidzwe, iye asina nhasi uno kukunyima hama chaiyo, mugari wenhaka. Zita rake ngarive nomukurumbira muIsiraeri! Ndiye achamutsiridza upenyu hwenyu, achakuchengetaiwo kana makwegura nokuti muroora wenyu anokudai, ari nani kwamuri pane vanakomana vanomwe, akuberekerai mwana mukomana.” Naomi akagumbatira mwana uyu pachipfuva chake ndokubva ava mureri wake. Vakadzi vavakanga vakavakidzana navo vakamutumidza zita. Vaiti, “Naomi aberekerwa mwana mukomana.” Vakamutumidza zita rokuti Obhedhi. Ndiye akazova baba waJese, Jese akazovawo baba waDhavhidhi. Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaPerezi; Perezi akabereka Hezironi, Hezironi akabereka Ramu. Ramu akabereka Aminadhabhu, Aminadhabhu akabereka Nahishoni. Nahishoni akabereka Sarimoni, Sarimoni akabereka Bhoazi. Bhoazi akabereka Obhedhi, Obhedhi akabereka Jese, Jese akabereka Dhavhidhi.

Verenga chikamu Rute 4