Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma Zviri mutsamba yavaRoma

Zviri mutsamba yavaRoma
Tsamba kuvaRoma, itsamba yaakanyora kugadzirira zvokuenda kwake kuguta reRoma. Ainge achida kumboti shande shandei kuparidza shoko raMwari ikoko ozoenda kuSipeini. Rwendo urwu rwakamupa pfungwa yokuti anyore zvakanakisisa kwazvo zvaaifunga nezvechitendero chechikristu uye kuti zvinorevei kumukristu paupenyu hwake. Pauro akanyora tsamba iyi achinyatsodzamisa pfungwa dzake chaizvo. Musoro wenyaya yetsamba iyi unoti, “Handinyari neShoko Rakanaka nokuti isimba raMwari rokuponesa munhu wose ane chitendero...” (1:16). Donzvo kana kuti vavariro yetsamba iyi ndeyokutsanangura musoro wenyaya uyu ichinyatsoratidza kuti vaJuda navasiri vaJudha vari pasi pechitadzo. Vanofanira kururamiswa pamberi paMwari. Chinoita kuti vanzi vakarurama pamberi paMwari chitendero muna Kristu Jesu. Asi pamwoyo chaipo petsamba iyi indima iyi, 3:21–31. Ndima iyi inoratidza kuti Mwari haasi womunhu mumwechete kana kuti wavaJudha voga; asi kuti Mwari ndewo munhu wose, angave muJudha kana kuti vanhu vechirudzi. Vose vakatadzira Mwari. Vose vanoponeswa nechitendero muna Jesu Kristu. Tsamba iyi inotaura zvizhinji kwazvo zviri muchitendero chavakristu sezvizvi zvinoti: kuyanana naMwari kutendeuka, kururama pamberi paMwari nenyasha dzaMwari, mutemo, kusarudzwa, upenyu, chitadzo, Mweya Mutsvene, chitendero, ruponeso. Pakunopera kwetsamba iyi (12–13) Pauro anotaura nezve basa romukristu kuna Mwari (12:1–2) nokuna vamwe (1:3–21) nokuna vakuru vakuru venyika (13:1–7) uye kuda vamwe (13:8–14) norusununguko nezvakanaka zvatinofanira kuitira vamwe.
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yaVaroma
Kusuma (1:1–7)
Ruponeso runounzwa nokutenda (1:8–15)
I Kururamiswa (1:16—4:25)
a) Chirango chaMwari kuvaJuda nokune vechirudzi (1:16—3:20)
b) Chitendero nokutonga kwaMwari (3:21—3:31)
c) Muenzaniso waAbhurahamu (4:1—4:25)
II Ruponeso (5:1—16:27)
Kununurwa kwedu kuchitadzo nokurufu nokumutemo (5:1—7:25)
Upenyu hwemweya hwomukristu (8:1–39)
Chinhanho cheIsiraeri (9:1—11:24)
Tsitsi dzaMwari kuvanhu vose (11:25–36)
Mashoko okukurudzira (12:1—15:13)
Mashoko okuzarira (15:14—16:27)

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda