Zvino totiiko, zvinoreva kuti Mwari ano rusaruro here? Kwete handizvo nokuti anoti kuna Mosesi, “Ndichaitira tsitsi wandinenge ndada kuitira tsitsi nokunzwira urombo wandinenge ndada kunzwira urombo.” Saizvozvo hazvinei nezvinodiwa nomunhu kana zvinoedzwa kuitwa nomunhu asi chinebasa itsitsi dzaMwari. Magwaro Matsvene anoti kuna Faro, “Chandakakuitira mambo ndechokuti ndiratidze simba rangu nemauri, kuti zita rangu riparidzwe pasi pose.” Naizvozvo anoitira tsitsi kune wose waanenge ada achiita kuti waanenge ada zvake amuaomese mwoyo. Saka muchanditi, ko zvino anozopirei munhu mhosva nokuti ndiani angapikisane nezvaanoda. Asi iwe uri aniwo zvako munhuwo zvako kupindura Mwari. Chiumbwa chingati here kumuumbi wacho: “Wakandiumbirei zvakadai.” Muumbi haana mvumo here yokuita zvaanoda nomunyakwe achiita nechidimbu chawo chimwechetecho mudziyo wokushongedza nawo nomumwe wokushandisawo zvawo. Ndizvozvowo zvina Mwari, ko dai kuri kuti anoda zvake kuratidza hasha dzake nokuranga achiratidza simba rake iye achizvidzora zvake achiitira mwoyo murefu kwazvo midziyo inofanira kuparadzwa pamusana pokuda kuratidza kukura kwembiri yake kumidziyo inofanira kuitirwa tsitsi yaakafanogadzirira mbiri. Kunyange iyesu takadaidzwa tichibva kwete kuvaJudha voga asi tichibvawo mukati mevechirudzi? Sokutaura kwaanoita muna Hosea achiti: “Avo vakanga vasiri vanhu vangu ndava kuvati vanhu vangu, vandaiti havasi vapamwoyo ndava kuvati vapamwoyo.” Panzvimbo imwecheteyo pavakambonzi, “Hamusi vanhu vangu, vachanzi vana vaMwari mupenyu.” Isaya anodaidzirawo nezvavaIsiraeri achiti, “Kunyange zvazvo vaIsiraeri vowanda sejecha rogungwa asi katsama kavo ndiko chete kachaponeswa nokuti Tenzi achatoranga nyika uye nokukurumidza.” Sokufanotaura kwakaita Isaya achiti, “Dai Tenzi wehondo nehondo asina kutisiira vana tingadai takaita seSodhomu kana kuita seGomora.”
Verenga chikamu Varoma 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 9:14-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo