Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 5:16-18

Varoma 5:16-18 SCLB

Zvinoitwa nechipo chinopiwa pachena hazvina kufanana nechitadzo chomunhu mumwechete uya. Ndinodaro nokuti mushure mechitadzo ichi chimwechete pakabva patemwa kuti pane mhosva asi mushure mezvitadzo zvizhinji pamusana pechipo chimwechete chinopiwa pachena pakatemwa kuti hapana mhosva. Kana pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete rufu rwakatonga nomumunhu mumwechete iyeyo, zvino vachatonga noupenyu zvakanyanya sei nomumunhu mumwechete Jesu Kristu avo vanogamuchira nyasha dzakawanda nechipo chinongopiwa pachena choururami. Saizvozvo pamusana pokuti chitadzo chomunhu mumwechete chakaita kuti vanhu vose vanzi vane mhosva nezvowo chiito chakanaka chomunhu mumwechete chinoitawo kuti panzi hapana mhosva uye chichipa upenyu kuvanhu vose

Verenga chikamu Varoma 5