Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 13:8-14

Varoma 13:8-14 SCLB

Usave nechikwereti nomunhu kusiya chokudanana nokuti munhu anoda mumwe wake azadzisa mutemo. Mitemo inoti usaite upombwe, usauraye, usabe, usachive nemimwe mitemo yose inobatanidzwa yose mushoko iri rinoti, “Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.” Munhu worudo haatadziri mumwe wake. Naizvozvo rudo ndirwo runozadzisa mutemo. Uyezve apa munoziva kuti inguva yakadii; kuti nguva yacho yakwana zvino yokuti muchimuka muhope. Ndinodaro nokuti ruponeso rwava pedyo nesu zvino kupinda patakatanga kudavira. Usiku hwaendedzana, kwava kuda kuedza. Saka ngatichikandai pasi mabasa erima tipfeke demautare rechiedza rokuzvidzivirira naro muhondo. Ngatizvibatei sezvatinoita masikati, tisingatambi zvakaipa, nokuraradza noupombwe nokuzviregerera nokukakavadzana nokuitirana shanje. Regai Kristu ave ndiye demautare renyu rokuzvidziirira naro muhondo, murege kuva nehanya nezvenyama kuti mugutse havi dzayo.

Verenga chikamu Varoma 13