Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 12:3-8

Varoma 12:3-8 SCLB

Pamusana pechipo chandakapiwa nenyasha dzaMwari ndinoda kudzora munhu oga oga pakati penyu kuti arege kuzvitora soopamusoro kupinda zvaari asi nepfungwa dzakagadzana kuzviera maererano nechitendero chaakapiwa naMwari. Sezvakangoita kuti mumuviri mumwechete mune mitezo mizhinji. Uye mitezo iyoyo yose haishandi basa rimwechete. Ndizvozvowo zvimwechete nesu kunyange takawanda kudai, tiri muviri mumwechete muna Kristu uye mumwe nomumwe mutezo wavamwe vose. Tine zvipo zvakasiyana–siyana maererano nenyasha dzatakapiwa; ngatizvishandisei. Kana chiri chipo chokuporofita, tinofanira kuporofita zvinofambirana nechitendero chedu. Kana chiri chokuitira vamwe mabasa ngatiitei mabasa, iwayo, anodzidzisa, ngaachisevenzese mukudzidzisa. Ane chipo chokusimbisa vamwe, ngaachisevenzese mukusimbisa vamwe. Ane chipo chokupa, ngaave mupanegombe; kana chiri chipo choutungamiri, tungamirira nomwoyo wose kana chiri chamabasa etsitsi chiite nemwoyo unofara.

Verenga chikamu Varoma 12