Musatsive chakaipa nechakaipa. Vavarirai kuita chinenge chichinzi navose chakanaka. Kana zvichikwanisika sokugona kwenyu garisanai navanhu vose zvakanaka. Hama dzangu dzadiwa, musatsividze asi zvisiirei kuna Mwari anoranga nehasha dzake nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Kutsividza ndokwangu. Ini ndini ndinodzorera.” Ndizvo zvinotaura Tenzi. Kwete, kana muvengi wako ane nzara mupe chokudya. Kana ane nyota mupe chokunwa. Nokuti ukaita zvakadaro unotounganidza mazimbe omoto pamusoro pake. Usakundwe nezvakaipa asi kunda zvakaipa nokuita zvakanaka.
Verenga chikamu Varoma 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 12:17-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo