Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva, vadikanwi, asi mudziurire kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe.” Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake. Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
Verenga chikamu Varoma 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 12:17-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo