Hama dzangu, chandinodisisa mumwoyo mangu chaizvo nomunamato wangu wandinovaitira kuna Mwari, ndowekuti vaponeswe. Ndinovapupurira kuti vane shungu naMwari asi havana ruzivo, nokuti nokusaziva kururamiswa kunobva kuna Mwari vakatsvaka nzira dzavo dzokururamiswa. Havana kutsvaka kururamiswa kunobva kuna Mwari. Kristu ndiye akagumisa mutemo kuti munhu wose ane chitendero aruramiswe. Mosesi akanyora achiti, “Munhu anochengeta ururami hunobva mumutemo achararamawo nawo.” Asi ururami hunobva muchitendero hunoti, usataure mumwoyo mako uchiti, “Ndiani achakwira kudenga?” (kundounza Kristu pasi pano) kana kuti, “Ndiani achadzika mugomba rakadzikisisa.” (Kundounza Kristu kubva kuvakafa). Asi ururami hunotii? Hunoti, “Shoko riri pedyo newe, riri pamuromo pako, uye riri mumwoyo mako,” (tiri kureva shoko rechitendero ratinoparidza), nokuti kana ukataura nomuromo wako kuti Jesu ndiTenzi uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa muvakafa uchaponeswa. Zviripo ndezvokuti munhu anotenda mumwoyo wake naizvozvo anorumiswa, uye anobvuma nomuromo wake, anoponeswa naizvozvo. Magwaro Matsvene anoti hapana anotenda maari achanyadziswa
Verenga chikamu Varoma 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 10:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo