Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 1:1-32

Varoma 1:1-32 SCLB

Ndini Pauro muranda waJesu Kristu ndakadaidzwa kuti ndive mupositori akatsaurirwa kuparidza Shoko Rakanaka raMwari. Shoko Rakanaka iroro akanga atorivimbisa kare nokuvaporofita vake muMagwaro Matsvene. Rinotaura nezvoMwanakomana wake wechizvarwa chaDhavhidhi panyama. Pane zvokuera kwemweya wake, iye Jesu Kristu Tenzi wedu, akanzi Mwanakomana waMwari pasimba pamusana pokumuka kwaakaita kuvafi. Nokwaari ndakagamuchira nyasha dzebasa rokutumwa somupositori kuti ndiunze vanhu vamarudzi ose mukuteerera kwechitendero muzita rake pamwechete nemi makadaidzwa kuti muve vanhu vaJesu Kristu. Ndinokukwazisai imi mose vadikanwi vaMwari vari muguta reRoma, vakadaidzwa kuti vave varurami. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha nokukupai rugare. Pokutanga ndinotenda Mwari wangu nokuna Jesu Kristu. Ndinoitira izvi imi mose pamusana pokuti chitendero chenyu chiri kutaurwa pasi pose. Ndinodaro nokuti Mwari iye wandinoshandira nomwoyo wangu wose nokuparidza kwandinoita Shoko Rakanaka roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ini ndinoramba ndichingokudomai muminamato yangu ndichikumbira kuti, zvimwe nokuda kwaMwari, pamwe iye zvino ndipo pandingakwanise kuuya kwamuri. Ndinodisisa kwazvo kukuonai kuti ndikupei chipo chezvomweya kuti chikusimbisei ndichiitira kuti tisimbaradzane nechitendero chomumwe nomumwe wedu, chenyu nechangu. Hama dzangu ndingade kuti, munyatsoziva kuti kazhinji ndichida kuti ndiuye kwamuri, asi kusvika pari zvino, ndakatadziswa kuti ndiwane chandingakohwe pakati penyu uye napakati pavamwe vose vechirudzi. Ndine zvandinosungirwa kuitira vose vechiGiriki navasiri vaGiriki nokunavakangwara nokuna vasina kungwara. Saizvozvo ndinodisa kukuparidzaiwo Shoko Rakanaka imi muri muguta reRoma. Ndinodaro nokuti handinyari neShoko Rakanaka nokuti iro isimba raMwari rokuponesa munhu wose ane chitendero zvichitangisira kuvaJudha kozouya vaGiriki nokuti mariri, kururama kwaMwari kunoratidzwa pachena nechitendero chinobvira pokutanga kusvikira pokupedzisira sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Munhu anoruramiswa nechitendero achararama.” Hasha dzaMwari dzinoratidzwa pachena dzichibva kudenga dzakanangana nokusanamata Mwari kose nouipi hwavanhu vanombunyikidza chokwadi vachishandisa zvakaipa zvavo, nokuti zvinogona kuzivikanwa nezvaMwari zviri pachena kwavari nokuti Mwari, akaratidza zvinhu izvozvo kwavari. Kubvira pakusikwa kwakaitwa pasi uMwari hwake husingaonekwi zvichireva simba rake rokugara nokugara nouMwari hwake, zvakanyatsoratidzwa pachena muzvinhu zvakasikwa. Naizvozvo havana chikonzero chokuti vanzi havana mhosva. Chiripo ndechokuti kunyange vaiziva zvavo Mwari havana kumurumbidza saMwari kana kumutenda asi kufunga kwavo hakuna zvakwakabatsira. Pfungwa dzavo dzisina maturo dzakadzimaidzwa. Vaizviti vakachenjera asi vakava mapenzi. Mbiri yaMwari asingafi vakaitsinhanisa nezvifananidzo zvakaita savanhu zvavo vanofa kana seshiri kana somhuka kana sezvinozvova napasi. Naizvozvo Mwari akavarega kuti vaite madiro avo nehavi dzavo dzounzenza zvichivasvitsa mukuitirana zvinonyadzisa nemiviri yavo. Nokuti vakatsinhanisa chokwadi chaMwari nenhema. Vakanamata vakashandira chisikwa panokunamata nokushandira musiki anofanira kurumbidzwa nokusingaperi Ameni. Nokuda kwaizvozvi Mwari akavarega kuti vaite madiro avo votungamirirwa nehavi dzavo dzinonyadzisa. Vakadzi vavo vakasandura maitiro anofambirana nomusikirwo wavakaitwa savanhukadzi voita zvisingafambirani nomusikirwo wavo. Ndozvimwechetezvo navarumewo vakarega kutevedza zviri mumasikirwo avo okuti vatorane nomunhukadzi votsva nehavi yokuchivana pachavo, munhurume achiita zvinonyadzisa nomumwe munhurume vachibva vogamuchira mubayiro unokodzera wokukanganisa kwavo ikoko. Saizvozvo nokuti havana kuona chiri chinhu chinokodzera kuti vazive Mwari; Mwari akavaregawo vachiva nepfungwa yakaora nokusazvibata. Vakazara nouipi hose hunoti umambara ruchiva noutsinye. Vazere nokusafarira zvakanaka zvavamwe noumhondi nounyengedzi, nouipi hwakakomba nokurevana namakuhwa, nokuva vanhu vanovenga Mwari navanozvikudza navanozvirova dundundu navanozvitutumadza navane rubatabata, navasingateereri vabereki namapenzi avanhu, vanhu vasina chitendero, vasina mwoyo uye vasingakatari. Kunyange zvazvo vachiziva chirevo chaMwari chinoti vanoita zvakadaro vanofanira kufa, havangoita izvozvo chete asi kuti vanotobvumirana navanoita izvozvo.

Verenga chikamu Varoma 1