Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 9:1-12

Zvakaratidzwa 9:1-12 SCLB

Mutumwa wechishanu akaridza bhosvo rake. Ndakabva ndaona nyenyedzi yakawira pasi kubva kudenga yakanga yapiwa kiyi yeziburi regomba risina parinoperera. Akazarura ziburi riya regomba risina parinoperera. Muziburi iroro makatogoka utsi hunenge hwevira guru romoto. Zuva nomunga'mu zvakabva zvati ndindo kusvipa noutsi hwomuziburi riya. Muhutsi ihwohwo makabuda mhashu panyika dzakapiwa simba rinenge ramarize apanyika. Dzakaudzwa kuti dzisaparadze uswa hwenyika kana chii zvacho chinyoro kana muti zvawo, asi kuti dziparadze vanhu vasina mucherechedzo waMwari pahuma dzavo. Dzakabvumirwa kuvaonesa nhamo kwemwedzi mishanu dzisingavaurayi. Kurwadza kwadzo kwaiita sokurwadza kwerize kana raruma munhu. Pamazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu vasingaruwani vachasuwira kufa, asi rufu ruchatiza. Mhashu idzodzo dzakanga dzakaita samabhiza aronganirana hondo. Pamisoro yadzo pakanga paine zvairatidzika sendaza dzendarama. Zviso zvadzo ungati vanhu. Mvere dzadzo ungati ivhudzi ravakadzi, mazino adzo, ungati mazino eshumba chaiwo. Makwakwambi adzo waitoti zvidemautare zvesimbi zvokuzvidzivirira nazvo muhondo. Irwo ruzha rwamapapiro adzo waiti ingoro dzehondo dzina mabhiza ava kumhanyira muhondo dziine miswe inenge yamarize inoruma uye simba radzo rokukuvadza vanhu kwemwedzi mishanu riri mumiswe yadzo iyoyo. Mambo wadzo aiva mutumwa uya wegomba risina parinoperera. Zita rake muchiHebheru rinonzi Abhadhoni muchiGiriki richinzi Aporioni. Nhamo yokutanga ndipo painoperera apa. Dzimwe nhamo mbiri dziri kuuya.