Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 9:1-12

Zvakazarurwa 9:1-12 SNA2002

Zvino mutumwa wechishanu akaridza, ndikaona nyeredzi, yakabva kudenga, yawira pasi; ikapiwa kiyi yegomba rakadzika-dzika. Ikazarura gomba rakadzika-dzika, hutsi hukakwira huchibva mugomba, sohutsi hwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa nohutsi hwegomba. Muhutsi makabuda mhashu dzikauya panyika, dzikapiwa simba sesimba rezvinyavada zvenyika. Dzikaudzwa kuti dzirege kutadzira uswa hwenyika, nechinhu chinyoro, kana miti yose, asi vanhu bedzi vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo. Hadzina kupiwa basa rokuvauraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; kurwadzisa kwadzo kwakanga kwakaita sokurwadzisa kwechinyavada, kana chichiruma munhu. Namazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangatongoruwani, vachavinga kufa, asi rufu ruchavatiza. Pakuonekwa kwadzo mhashu dzakanga dzakaita samabhiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakanga panezvimwe zvakaita sekorona dzakafanana nendarama; zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvavanhu. Dzakanga dzine vhudzi rakaita sevhudzi ravakadzi, nameso adzo akanga akaita seeshumba. Dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvakaita sezvamatare; nokutinhira kwamapapiro adzo kwakaita sokutinhira kwengoro dzamabhiza mazhinji anomhanyira kurwa. Dzakanga dzine miswe, yakaita seyezvinyavada, noumborera; pamiswe yadzo pakanga pane simba rokukuvadza vanhu mwedzi mishanu. Dzakanga dzina mambo wadzo, ari mutumwa wegomba rakadzika-dzika, zita rake nechiHebheru ndiAbhadhoni, nechiGiriki zita rake ndiAporioni. Nhamo imwe yapfuura; tarira, nhamo dzimwe mbiri dzinotevera shure kwaizvozvi.