Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 5:9-14

Zvakaratidzwa 5:9-14 SCLB

Vakaimba rumbo rutsva vachiti, “Munokodzera kutora bhuku rokumunonora nokukwatanura namo dzaro nokuti makauraiwa mukanunurira Mwari vanhu kubva kumarudzi ose nendimi dzose navanhu vose nendudzi dzose. Makavaita umambo navapristi vaMwari wedu uye vachatonga pasi.” Ndakazotarisa ndikanzwa kumativi ose kupoteredza chigaro choumambo nezvisikwa zvipenyu zviya navakuru vakuru vaya izwi ravatumwa vazhinji vakawanda zvokuita zviuru nezviuru namazana akazanirana kwazvo; vachiti nezwi guru, “Hwayana yakauraiwa yakakodzera kugamuchira simba roupfumi noungwaru noukuru norukudzo nembiri nechikomborero.” Ndakanzwa zvisikwa zvose zviri kudenga napasi napasi penyika nomugungwa nazvose zvirimo zvichiti, “Ngaarumbidzwe, narini narini apiwe rukudzo nembiri noukuru iye agere pachigaro choumambo uyewo kuHwayana.” Zvisikwa zvipenyu zvina zviya zvakati, “Ameni,” vakuru vakuru vaya vakabva vati wareware pasi vachinamata.