Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 3:15-22

Zvakaratidzwa 3:15-22 SCLB

“Ndinoziva mabasa ako, hautonhori kana kupisa, dai waitotonhora zvako kana kupisa. Asi nokuda kokuti uno rudziirakure usingatonhori kana kupisa ndichakusvipa mukanwa mangu. Nokutika unoti ndiri mupfumi, ndakapfuma, handina chandinoda iwe usingazivi kuti uri rombe rinotonzwisa tsitsi, uri murombo, uri bofu uye hauna kupfeka. Saizvozvo ndinokubaira zanhi rokuti utenge kwandiri ndarama yakanatswa nomoto kuti uve mupfumi nehanzu chena dzokuti upfeke kuti urege kuonererwa ubunun'unu hwako namafuta okuzora maziso ako kuti uone. Vandinoda ndinovatsiura nokuvaranga. Naizvozvo ita shungu utendeuke. Tarisa uone ndimire pamusuo ndichigogodza, kana munhu akanzwa izwi rangu akazarura musuo ndichapinda maari ndigodya naye iye achidya neni. Anokunda ndichamuti agare neni pachigaro changu choumambo sokukundawo kwandakaita ini pachangu ndikagarawo naBaba vangu pachigaro chavo choumambo. Ane nzeve ngaanzwe zvinorehwa naMweya kumasangano.”