“Nyorera mutumwa wesangano rokuRaodhekia uti zvanzi naAmeni, “ ‘Iye chapupu chinotendeka chechokwadi, iye mavambo ezvisikwa zvaMwari.’ “Ndinoziva mabasa ako, hautonhori kana kupisa, dai waitotonhora zvako kana kupisa. Asi nokuda kokuti uno rudziirakure usingatonhori kana kupisa ndichakusvipa mukanwa mangu. Nokutika unoti ndiri mupfumi, ndakapfuma, handina chandinoda iwe usingazivi kuti uri rombe rinotonzwisa tsitsi, uri murombo, uri bofu uye hauna kupfeka. Saizvozvo ndinokubaira zanhi rokuti utenge kwandiri ndarama yakanatswa nomoto kuti uve mupfumi nehanzu chena dzokuti upfeke kuti urege kuonererwa ubunun'unu hwako namafuta okuzora maziso ako kuti uone. Vandinoda ndinovatsiura nokuvaranga. Naizvozvo ita shungu utendeuke. Tarisa uone ndimire pamusuo ndichigogodza, kana munhu akanzwa izwi rangu akazarura musuo ndichapinda maari ndigodya naye iye achidya neni.
Verenga chikamu Zvakaratidzwa 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakaratidzwa 3:14-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo