“Nyorera mutumwa wesangano rokuSadhisi “Mazwi ouyo ane mweya minomwe yaMwari uye ane nyenyedzi nomwe uti: ‘Ndinoziva mabasa ako, une kambiri kokunzi uri mupenyu asi iwe wakafa. Muka usimbaradze zvasara uye zvava pedyo nokufa. Nokuti mabasa ako handina kuaona akakwana pamberi paMwari wangu. Naizvozvo yeuka zvawakagamuchira nezvawakanzwa. Chengeta izvozvo utendeuke. Kana usina kumuka ndichauya sembavha uye haumboziva kuti ndichauya nenguva ipi. Zvakadaro zvazvo uchine mazita mashoma muSadhisi avanhu vasina kusvibisa hanzu dzavo, vachafamba pamwechete neni vakapfeka zvichena nokuti vakakodzera. Uyo anokunda achapfeka saizvozvo hanzu chena uye zita rake mubhuku roupenyu handizoripfudzi. Pamberi pababa vangu napamberi pavatumwa vake, ndichapupurira zita rake kuti ndowedu. Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano.’ “Nyorera mutumwa wesangano rokuFiradhefia. Herino shoko reanoera wechokwadi ane kii yaDhavhidhi anoti akazarura hapana anogona kuzarira wokuti akazarira hakuna anogona kuzarura. Ndinoziva mabasa ako, tarira uone ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usina anogona kuzarira. Ndinoziva kuti unongova nesimba shomanana asi wakachengeta shoko rangu ukasaramba zita rangu. Vesangano raSatani, vanozviti vaJudha asi ivo vasiri, vachireva nhema; ndichaita kuti vauye vachizokugwadamira patsoka dzako vadzidze kuti ndakakuda, nokuti wakachengeta shoko rangu rokutirira, ndichakuchengeta panguva yokuedzwa iri kuuya pasi pose kuzoedza vose vagere panyika. Ndiri kuuya nokukurumidza. Batisisai zvamuinazvo kuti parege kuva nomunhu anokubvutirai chiremba chenyu. Anokunda ndichamuita musimboti muTemberi yaMwari wangu. Haachazobvamo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu uye zita reguta raMwari wangu, Jerusaremu itsva inobva kuna Mwari wangu kudenga, uyewo zita rangu idzva. Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano. “Nyorera mutumwa wesangano rokuRaodhekia uti zvanzi naAmeni, “ ‘Iye chapupu chinotendeka chechokwadi, iye mavambo ezvisikwa zvaMwari.’ “Ndinoziva mabasa ako, hautonhori kana kupisa, dai waitotonhora zvako kana kupisa. Asi nokuda kokuti uno rudziirakure usingatonhori kana kupisa ndichakusvipa mukanwa mangu. Nokutika unoti ndiri mupfumi, ndakapfuma, handina chandinoda iwe usingazivi kuti uri rombe rinotonzwisa tsitsi, uri murombo, uri bofu uye hauna kupfeka. Saizvozvo ndinokubaira zanhi rokuti utenge kwandiri ndarama yakanatswa nomoto kuti uve mupfumi nehanzu chena dzokuti upfeke kuti urege kuonererwa ubunun'unu hwako namafuta okuzora maziso ako kuti uone. Vandinoda ndinovatsiura nokuvaranga. Naizvozvo ita shungu utendeuke. Tarisa uone ndimire pamusuo ndichigogodza, kana munhu akanzwa izwi rangu akazarura musuo ndichapinda maari ndigodya naye iye achidya neni. Anokunda ndichamuti agare neni pachigaro changu choumambo sokukundawo kwandakaita ini pachangu ndikagarawo naBaba vangu pachigaro chavo choumambo. Ane nzeve ngaanzwe zvinorehwa naMweya kumasangano.”
Verenga chikamu Zvakaratidzwa 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakaratidzwa 3:1-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo