Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 21:22-27

Zvakaratidzwa 21:22-27 SCLB

Asi handina kuona Temberi muguta iroro nokuti Temberi yaro ndiTenzi Mwari, Samasimbaose neHwayana. Guta iroro haridi zuva kana mwedzi zvokurivhenekera nazvo nokuti kupenya kokuvapo kwaMwari ndicho chiedza charo, Hwayana iri iyo rambi rayo. Marudzi ose achafamba achivhenekerwa nechiedza charo uye madzimambo apasi achauisa mariri zvinovapa mbiri. Misuo yaro mikuru haichazombopfigwa masikati uye hakuzombovi nousiku ikoko. Vachaunzamo mariri zvinhu zvinopa marudzi mbiri nomukurumbira. Hakuna chakan'ora chichapinda mariri kana ani zvake anoita zvisingadiwi naMwari kana anonyengedza kusiya chete vakanyorwa mubhuku roupenyu reHwayana.