Asi handina kuona Temberi muguta iroro nokuti Temberi yaro ndiTenzi Mwari, Samasimbaose neHwayana. Guta iroro haridi zuva kana mwedzi zvokurivhenekera nazvo nokuti kupenya kokuvapo kwaMwari ndicho chiedza charo, Hwayana iri iyo rambi rayo. Marudzi ose achafamba achivhenekerwa nechiedza charo uye madzimambo apasi achauisa mariri zvinovapa mbiri. Misuo yaro mikuru haichazombopfigwa masikati uye hakuzombovi nousiku ikoko. Vachaunzamo mariri zvinhu zvinopa marudzi mbiri nomukurumbira. Hakuna chakan'ora chichapinda mariri kana ani zvake anoita zvisingadiwi naMwari kana anonyengedza kusiya chete vakanyorwa mubhuku roupenyu reHwayana.
Verenga chikamu Zvakaratidzwa 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakaratidzwa 21:22-27
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo