Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 21:2-5

Zvakaratidzwa 21:2-5 SCLB

Ndakazoona guta dzvene Jerusaremu idzva richiburuka mudenga richibva kuna Mwari rakagadzirirwa semwenga, mwenga akashongedzerwa murume wake. Ndakanzwa izwi guru richibva pachigaro choumambo richiti, “Tarisai muone kuti Mwari ava kuzoita musha wake pakati pavanhu. Achagara navo; ivo vachava vanhu vake iyewo Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo. Rufu haruchazovapozve, hapachazova nokuungudza kana kuchema kana kurwadziwazve, nokuti zvinhu zvakare zvinenge zvapfuura.” Uya akanga agere pachigaro choumambo akati, “Tarisai muone ndava kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” Akatizve, “Nyora izvi nokuti mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi.”