Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 2:8-11

Zvakaratidzwa 2:8-11 SCLB

“Nyorera mutumwa wesangano rokuSimuna, mazwi owokutanga nowokupedzisira, akafa asi akazomuka. Nhamo dzako ndinodziziva nourombo hwako ndinouziva; asi iwe uri mupfumi zvako uye ndinoziva kureverwa makuhwa kwaunoitwa navavo vanozviti tiri vaJudha asi ivo vasiri, chavari chaicho isangano raSatani. Usatye matambudziko awava kupinda. Hezvo Dhiabhori ava kuzokanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe. Kwamazuva gumi muchapinda mupfumvu. Rambai makatendeka kusvikira pakufa. Ini ndichakupai mubayiro wechiremba choupenyu. Ane nzeve ngaanzwe zviri kutaurwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda, rufu rwechipiri haruna charunomuita.