“Nyorera mutumwa wesangano rokuEfesusi, mazwi ouyo akabata nyenyedzi nomwe muruoko rwake rworudyi uye anofamba mukati mezvigadzikiro zvomwenje zvinomwe zvendarama uti: “ ‘Ndinoziva mabasa ako ndinozivawo kushingaira kwako nebasa nokutirira kwako uye kuti haufarirani navanhu vakaipa. Wakaedza avo vanozviti vapositori ivo vasiri ukavaona kuti ndevenhema. Ndinoziva kuti uri kutirira chinyararire, uchitirira zvako pamusana pezita rangu uye usingamboneta. Asi chandinovenga mauri ndechichi, chokuti wakakanda pasi rudo rwawaiva narwo pakutanga. Naizvozvo rangarira pawakakoromoka upinduke uite mabasa awaiita pakutanga. Kana usina kuita saizvozvo, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadzikiro chomwenje wako panzvimbo pacho kusatoti watendeuka. Zvimwe zvimwewo zvazvo, chako chaunacho ndechokuti unovenga mabasa avateveri vaNikoraitesi andinovengawo uyo ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda ndichamupa mvumo yokudya muti woupenyu uri muparadhiso yaMwari.’ “Nyorera mutumwa wesangano rokuSimuna, mazwi owokutanga nowokupedzisira, akafa asi akazomuka. Nhamo dzako ndinodziziva nourombo hwako ndinouziva; asi iwe uri mupfumi zvako uye ndinoziva kureverwa makuhwa kwaunoitwa navavo vanozviti tiri vaJudha asi ivo vasiri, chavari chaicho isangano raSatani. Usatye matambudziko awava kupinda. Hezvo Dhiabhori ava kuzokanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe. Kwamazuva gumi muchapinda mupfumvu. Rambai makatendeka kusvikira pakufa. Ini ndichakupai mubayiro wechiremba choupenyu. Ane nzeve ngaanzwe zviri kutaurwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda, rufu rwechipiri haruna charunomuita. “Nyorera mutumwa wesangano rokuPerigamumu mazwi ouyo ane bakatwa romucheka kose uti, ‘Maunogara ndinomuziva, mumuzinda waSatani wakaramba wakangoti kwati–kwati nezita rangu. Hauna kukanda pasi chitendero changu kunyange pamazuva aAntipasi mupupuriri wangu. Munhu wangu akatendeka, uya akauraiwa pakati penyu mumusha imomo maSatani.’ Asi ndine zvimwe zvishomanana zvandisingadi pauri. Ikoko muna vamwe vanotevera chidzidziso chaBharamu akarairidza Bharaki kufurira vaIsiraeri kuchitadzo kuti vadye chokudya chakanga chapirwa kuzvifanananidzo uye kuita unzenza. Uyezve una vamwe vanotevera zvidzidziso zvevekwaNikoraitesi. Nezvo pinduka; pasina izvozvo, ndichakuvinga ndizovarwisa nebakatwa romuromo wangu. Ane nzeve ngaanzwe zviri kutaurwa naMweya kumasangano. Uyo anokunda ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo dombo jena nezita idzva rakanyorwa padombo iroro, zita risina anoriziva, kusiya iyeyo chete anenge arigamuchira. “Nyorera mutumwa wesangano rokuTiatira mazwi oMwanakomana waMwari ana maziso anenge rimi romoto anamakumbo akaita sendarira yakakwenenzverwa. Ndinoziva mabasa ako norudo rwako nechitendero chako nokushanda kwako nokutirira kwako uye kuti mabasa ako okupedzisa anokunda okutanga. Asi chandisingadi pauri ndechichi chokuti unoregerera mukadzi uyu Jezebhero anozviti muporofitakadzi asi achidzidzisa nokufurira varanda vangu kuita ufeve nokudya chokudya chakapirwa kuzvifananidzo. Ndakamupa nguva yokuti apinduke asi ari kuramba kusiyana nounzenza hwake. Ndichamurarisa pasi nedenda, naavo vanoita ufeve naye ndichavapinza mudambudziko rinorwadza kusatoti vasiyana nezviito zvake. Vana vake ndichavaparadza norufu. Masangano ose ndipo paachaziva kuti ndini ndinoongorora pfungwa nemwoyo womunhu uye ndichakupai, mumwe nomumwe wenyu, maererano nezviito zvake. Asi kunemi vamwe mose muri muTiatira imomo, vasingatenderani nechidzidziso ichi, vasina kudzidza zvinonzi navanhu zvakadzama zvaSatani, ndinoti kwamuri ini handichakuremedzai nomumwe mutoro asi kuti batisisai zvamuinazvo kusvikira ndauya. Uyo anokunda uye anoramba ari pabasa rangu kusvikira pakupedzisira, ndichaita kuti vechirudzi vave mumaoko ake. Iye achavatonga akavabatira shamhu yesimbi achivapwanya zvokuti mwarara sehari dzevhu sokugamuchira kwandakaitawo simba kubva kuna Baba vangu. Uye ndichamupa nyenyedzi yorungwanani. Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano.”
Verenga chikamu Zvakaratidzwa 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakaratidzwa 2:1-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo