Mutumwa ane simba guru akatora dombo rakakura seguyo akarikanda mugungwa achiti, “Ndiko kukundwa zvine utsinye kuchaitwa Bhabhironi guta guru marisingazombowanikwazve.” Mumhanzi wevemadimbwa newavaimbi newevenyere newevemabhosvo hauchazombonzwiki mauri uyewo mhizha youmhizha hupi zvaho, hauchazombowanikwamo uyezve mauri hamuchazombonzwika ruzha rwokukuya. Kana mwenje werambi hauchabvirazve mauri. Mauri hamuchazombonzwikazve izwi romukuwasha kana romuroora nokuti veshawo dzokutengeserana vako vanga vari madzichangamire apanyika. Marudzi ose akanyengedzwa nouroyi hwako. Mariri makawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene neravose vakauraiwa pasi pano.
Verenga chikamu Zvakaratidzwa 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakaratidzwa 18:21-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo