Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 18:1-24

Zvakaratidzwa 18:1-24 SCLB

Mushure maizvozvi ndakaona mumwe mutumwa achibva kudenga ane simba guru rokutonga, pasi pakapenyeswa nembiri yake. Akadaidzira nezwi guru achiti, “Raparara, raparara Bhabhironi guta guru rava musha wemweya yakaipa; rava dambiro remweya yose yakan'ora nechirugu cheshiri dzose dzakan'ora necheshiri dzisingadiwi navanhu. Ndudzi dzose dzakanwa waini yehavi dzaro dzakaipa, madzimambo ose akaita upombwe naro. Vashambadzi vapasi vakapfumiswa noupfumi nounzenza hwaro.” Ndakanzwazve rimwe izwi richibva kudenga richiti, “Budai mariri vanhu vangu. Mungadaro mukazoitawo zvitadzo zvaro mukapinda mupfumvu dzaro nokuti zvitadzo zvaro zvakaita murwi unosvika kudenga. Mwari akayeuka huipi hwaro. Achariitira zvarakaitirawo vamwe achiridzorera kakapetwa, zviito zvaro. Riitirei zvarakakuitirai muridzorere kakapetwa zviito zvaro muripe waini inokaripa zvakapetwa kaviri. Rionesei nhamo murirwadzise zvakaenzana nembiri namafaro arakazvipa. Zvarinozviti nechomumwoyo, ‘Ndigere zvangu samambokadzi, handisi chirikadzi, kuchema handimbofa ndakachema.’ Pfumvu dzaro dzichariwira nezuva rimwechete, dzinoti rufu, kuchema rufu, neshangwa yenzara uye richapiswa nomoto nokuti Mwari anoritonga ane simba guru.” Madzimambo apanyika akaita upombwe nounzenza naro vacharichema vachiungudza pavachaona kutogoka utsi hwokutsva kwaro. Vachamira kure uko nokutya matambudziko aro vachiti, “Maiwe! Maiwe! Nhaiwe guta guru, iwe guta rakasimba, Bhabhironi zvakuwana neawa imwechete.” Veshawo dzokutengeserana vapanyika vanorichema vachiungudza nokuti hapana achatenga zvinhu zvavo; zvinhu zvavo izvi zvinoti: ndarama nesirivha nezvishongo namapera kwoti machira erineni yakanakisisa neeruvara rwohute neesirika namatsvuku, kwouya mapuranga anonhuwirira akasiyana–siyana, kozouya mhando nemhando yezvinhu zvakavezwa nenyanga dzenzou; kozoti zvinhu zvakagadzirwa nemiti inokosha zvakaitwa nendarira nesimbi kana namatombo anokosha; kuchizoti chinamoni, netwekubikisa tunonhuwirira; kotiwo rusenzi nemura norusenzi rune kakunhuwirira kakanakisa kwazvo; kuchizouya waini namafuta noupfu hwekoroni hwakatsetseka uye nekoroni kuchiuyawo mombe nehwai namabhiza nengoro dzehondo ndokuchizouyawo nhapwa zvichireva vanhu. Vanoti zvawaida kuwana namafaro ako zvakusiya, hudobori hwako namafaro ako zvakupesa hauchambozviwanazve. Veshawo dzokutengeserana ivava vakawana upfumi mariri vachamira kure uko nokutya nokuoneswa nhamo kwaro vacharichema vachiungudza zvinonzwika vachiti, “Maiwe! Maiwe guta guru kudai rakanga rakapfeka rineni yakanakisisa nehanzu dzoruvara rwohute netsvuku rakashongedzwa nendarama nezvishongo namapera.” Neawa imwechete, upfumi hwose uhu hwaparara. Vatungamiriri vengarava navanhu vanofamba nzendo nengarava navafambisi vengarava navose vanoshava mari vachishandisa nyanza, vakamira kure uko, vakachema zvinonzwisa tsitsi pavakaona utsi hwokutsva kwaro. “Nderipi guta ringaenzaniswe neguta iri guru?” Vakazvidira ivhu mumusoro vachichema vachiungudza vachiridza mhere vachiti, “Maiwe! Maiwe guta guru kudai rakapfumisa vose vaiva nengarava munyanza, neawa imwechete raparara. Imi matenga nemi vatsvene nemi vapositori nemi vaporofita ritii, ‘Tsvatu waro.’ Itii nomufaro kwariri, ‘Tsvatu waro.’ Nokuti Mwari akaripa chirango pamusoro pezvarakakuitirai.” Mutumwa ane simba guru akatora dombo rakakura seguyo akarikanda mugungwa achiti, “Ndiko kukundwa zvine utsinye kuchaitwa Bhabhironi guta guru marisingazombowanikwazve.” Mumhanzi wevemadimbwa newavaimbi newevenyere newevemabhosvo hauchazombonzwiki mauri uyewo mhizha youmhizha hupi zvaho, hauchazombowanikwamo uyezve mauri hamuchazombonzwika ruzha rwokukuya. Kana mwenje werambi hauchabvirazve mauri. Mauri hamuchazombonzwikazve izwi romukuwasha kana romuroora nokuti veshawo dzokutengeserana vako vanga vari madzichangamire apanyika. Marudzi ose akanyengedzwa nouroyi hwako. Mariri makawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene neravose vakauraiwa pasi pano.