Ndakaona chikara chichibuda mugungwa chine nyanga gumi uye chine misoro minomwe nengundu gumi panyanga dziya nezita rokushonha Mwari pamisoro yacho. Chikara chandakaona chakanga chakaita sembada matsimba acho waiti ndeebere chiine muromo weshumba. Zigaranyanya rakapa simba raro kuchikara ichocho rakachipawo chigaro charo choumambo noukuru hwakakura. Mumwe musoro wacho waiita soune ronda rakaipisisa asi ronda racho rakapora. Pasi pose pakashamiswa nazvo pakatevera chikara ichocho. Vanhu vakagwadama vachinamata zigaranyanya riya nokuti rakanga rapa simba raro kuchikara uye vakagwadama vachinamata chikara chiya vachiti, “Ndiani angaenzaniswe nechikara uye ndiani angarwisane nacho?” Chikara chakabvumirwa kutaura chikataura mazwi okuzvikudza nookushonha Mwari chakabvumirwa kutonga kwemwedzi makumi mana nemiviri. Chakazarura muromo chichitaura mazwi okushonha Mwari Chichishonha zita rake napaanogara zvichireva avo vanogara kudenga. Chakabvumirwa kurwisa vatsvene nokuvakurira; chakapiwa ukuru pamarudzi ose navanhu vose nendimi dzose nendudzi dzose. Vose vanogara panyika vachachigwadamira vachichinamata, vose zvavo vana mazita asina kunyorwa pasi pasati pavapo, mubhuku roupenyu reHwayana yakauraiwa. Ane nzeve ngaanzwe. Anenge achifanira kutapwa anotapwa anouraya munhu nebakatwa, anofanira kuuraiwawo nebakatwa. Ndikoka kutirira uye chitendero chinodiwa pavatsvene. Zvino ndakaona chimwe chikara chakabuda pasi chakanga chiine nyanga mbiri sehwayana uye chaitaura sezigaranyanya. Ichi chaiva namasimba ose echikara chokutanga chichiita kuti pasi navagari vapo vagwadamire vachinamata chikara chokutanga chakanga chiine ronda rakaipisisa rakanga rapora. Chaiita zviratidzo zvinoshamisa zvikuru, kunyange kutozomotsa moto mudenga uchiuya pasi vanhu vakatarisa. Nezvishamiso izvozvo zvachaibvumirwa kuita pamberi pechikara chiya chainyengedza vagari vapasi, chichivati vaite chifananidzo chechikara chakakuvadzwa nebakatwa chiya, asi chikararama. Chakabvumidzwa kupa chifananidzo chechikara chiya mweya unofema zvokuti chifananidzo chechikara chaitogona kutaura. Uye kuti vanenge vasina kugwadama vachinamata chifananidzo chechikara vauraiwe. Uye chinoitawo kuti vose vakuru navaduku, vapfumi navarombo vose vakasununguka navarandawo, vaiswe mucherechedzo paruoko rworwudyi kana pahuma. Zvokuti hapana anogona kutenga kana kutengesa kunze kokunge anomucherechedzo, zvichireva zita rechikara ichocho kana kuti nhamba yezita racho. Pano apa panodiwa ungwaru. Munhu anonzwisisa ngaatsvage azive zvinorehwa nenhamba iyoyo yechikara nokuti ari kurehwa nenhamba iyoyo munhu. Nhamba yacho mazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.
Verenga chikamu Zvakaratidzwa 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvakaratidzwa 13:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo