Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakazarurwa 13:1-18

Zvakazarurwa 13:1-18 SNA2002

Zvino ndakaona chikara chichikwira chichibva mugungwa, chine nyanga dzine gumi nemisoro minomwe; napamusoro penyanga dzacho pakanga pane korona dzine gumi, napamusoro pemisoro yacho mazita okumhura Mwari. Chikara ichi chandakaona, chakanga chakaita sengwe; netsoka dzacho sedzebere, nomuromo wacho somuromo weshumba; shato ikachipa simba rayo, nechigaro chayo chohushe, namasimba makuru. Mumwe musoro wacho wakanga wakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu; asi vanga, raifanira kuuraya, rakanga rapora; nyika yose ikashamiswa ikatevera chikara. Vakanamata shato, nokuti yakapa chikara masimba; vakanamata chikara, vachiti, “Ndianiko akafanana nechikara? Ndianiko anogona kurwa nacho?” Ipapo chakapiwa muromo unotaura mashoko makuru nezvokumhura; chikapiwa simba kuti chizviite mwedzi inamakumi mana nemiviri. Chikashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, nokumhura zita rake netabhenakeri yake naivo vanogara kudenga. Chikapiwa masimbawo kuti chirwe navatsvene, nokuvakunda; chikapiwa masimbawo pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose, nendudzi dzose. Vose vanogara panyika vachachinamata, ivo vasina kunyorerwa zita ravo mubhuku yeGwayana rakabayiwa, kubva pakusikwa kwenyika. Ane nzeve, ngaanzwe. Kana munhu achitipa, achatapwa; kana munhu achiuraya nomunondo anofanira kuurawa nomunondo. Ndipo panokutsungirira nokutenda kwavatsvene. Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira, chichibva panyika; chakanga chine nyanga mbiri segwayana, chikataura seshato. Chinobata namasimba ose echikara chokutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika navagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiya chakapora vanga rokuuraya racho. Chinoita zviratidzo zvikuru, zvokuti chinoburusira moto unobva kudenga panyika pamberi pavanhu; chinonyengera vanogara panyika nezviratidzo zvachapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kuna vanogara panyika kuti vaitire chikara mufananidzo, chiya chakanga chine vanga romunondo chakararama. Chikapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vaurawe. Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo; kuti munhu arege kuvapo anogona kutenga nokutengesa, asi iye ane chiratidzo, iro zita rechikara kana chiverengo chezita racho. Ndipo panokuchenjera. Anoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chacho ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.